Psalms 65

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

1Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni;
kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.
2Haiwa, imi munonzwa munyengetero,
vanhu vose vachauya kwamuri.
3Patakanga takafukidzwa nezvivi,
makakanganwira kudarika kwedu.
4Vakaropafadzwa avo vamunosarudza
navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu!
Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu,
zvetemberi yenyu tsvene.

5Munotipindura namabasa okururama anotyisa,
imi Mwari Muponesi wedu,
tariro yemigumo yepasi pose
namakungwa ari kure kure,
6iyemi makaumba makomo nesimba renyu,
makazvishongedza nesimba,
7iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa,
iko kutinhira kwamafungu aro,
nokupopota kwendudzi.
8Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu;
uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera,
munodanidzira nziyo dzomufaro.

9Mune hanya nenyika uye munoidiridza;
munoipfumisa kwazvo.
Hova dzaMwari dzizere nemvura
kuti dzivigire vanhu zviyo,
nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.
10Munozadza mihoronga yacho nemvura,
uye munoenzanisa mihomba yacho;
munoinyorovesa nemvura inopfunha
munoropafadza zvibereko zvayo.
11Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu,
uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.
12Uswa hwomurenje hwopfachukira;
zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.
13Mafuro azara namapoka emakwai,
uye mipata yafukidzwa nezviyo;
zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.
Copyright information for SnaBDSC